Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoramba Kubuditsa Zvakabuda Musarudzo Ichiti Yakasungwa Maoko neMatare


Nyanzvi mune zvemitemo dzinoti zviri kutaurwa neZEC kuti haichabuditsi kana kutaura zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika, kudzamara nyaya iri mumatare yapera, hazvina nematuro ose.

Dare guru rakatarisirwa kupa mutongo panyaya yakaturwa neMDC, kuti ZEC ibuditse zvakabuda musarudzo dzemwedzi wapfuura.

ZEC yaramba zvakare mashoko ekuti yavhara National Command Center yayo muHarare. Asi ZESN pamwe nemamwe masangano akazvimirira oga, vari kuti zviri pachena kuti National Command Center yakavharwa zvisineyi nekuti ZEC haisati yapedza basa rayo.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaTafadzwa Mugabe, gweta musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, kuti tinzwe kuti ichokwadi here kuti ZEC yakasungwa nemutemo panyaya yekuburitsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Zvichakadaro, nhengo dze MDC North America Province, dzaratidzira neChishanu pamuzinda weUnited Nations mu New York kuno ku America.

Nhengo idzi dzaratidzira kutsutsumwa nekuramba kuri kuita hurumende, kubudzitsa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaZvidzai Ruzvidzo, munyori we MDC North America Province, avo vanoti hurongwa hwavo hwabudirira zvikuru.

Tabatawo mumiriri weZimbabwe ku United Nations, VaBoniface Chidyausiku, kuti tinzwe divi ravo pane zvaitwa nezvizvarwa zveZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG