Accessibility links

Breaking News

ZESN Yoburitsa Ongororo Yayo Pane Zviri Kuitika Munyaya dzeSarudzo


ZESN inoti ongororo yavo inoratidza kuti VaMorgan Tsvangirai, ndivo vachakunda musarudzo idzi, nezvikamu 49,4 percent, vachiteverwa naVa Mugabe vaine 41,8 percent, vachizoteverwa naVa Simba Makoni, vane 8,2 percent, kozoti Va Langton Toungana vane zero percent.

Pamusangano wayaita nevatori venhau Muvhuro manheru, ZESN yati ongororo yavo iyi yakaitwa pane zvikamu zvishanu kubva muzana (5 percent) yenzvimbo dzose dzakavhotera vanhu munyika.

Sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, vaudza Studio 7 kuti ongororo yavo iyi, inogona kushanduka sezvo paine mukana wekuti vaikwikwidza musarudzo idzi vangangowana kana kurasikirwa nezvimwe zvibodzwa zvinosvika 2,4 percent.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Kututwa nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG