Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weSilobela Muparamende VaAbednico Malinga Vashaya


Mumiriri weSilobela mudare reparamende, Va Abednico Malinga, vashaya. VaMalinga vanga vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara. Vashayikira mutsaona yemotokari yayitika neChina kuKwekwe.

VaMalinga vanonzi vanga vakatakura vanhu vashanu mumotokari yavo, avo vanosanganisira mumiriri weMkoba mudare reparamende, VaAmos Chibaya veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nevanhu vana vatisina kukwanisa kuwana mazita avo.

VaMalinga vashayikira ipapo pamwe nemumwe weavo vavanga vachifamba navo. VaChibaya vanonzi vari muchipatara cheku Kwekwe. Kushaya kwaVaMalinga uku kunoreva kuti MDC inotungamirwa naVaMutambara, yatorasikirwa nenhengo nhatu dzanga dzichikwikwidza musarudzo dzekutsvaga nhengo dzedare reparamende.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC yaVaMutambara, VaAbednico Bhebhe, vaudza Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti varwadziwa zvikuru sebato nezvaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG