Accessibility links

Breaking News

Kubvutwa Kwemapurazi Koenderera Mberi


Ramangwana repurazi reOdzi Drift Estate riri kuOdzi kuManicaland, iro rinorima maruva richiatengesa kuHolland, harichina kujeka zvichitevera kutorwa kwaro nechisimba nemukururu wezvekugariswa patsva kwevanhu mubazi rezveminda, VaChristopher Mushambi.

Zvinonzi VaMushambi vakapinda papurazi iri kutanga kwaKukadzi gore rino, vaine tsamba yaibva kubazi ravo, iyo yakanyorwa muna Gumiguru gore rapera, ichivapa mvumo yekutora purazi iri.

Varidzi veOdzi Drift, iyo inonyanyo zivikanwa seElgone, vakakwira kumatare edzimhosva vachikwikwidza kutorwa kwepurazi ravo. Dare rakati VaMushambi vabve papurazi apa, asi ivo vari kuramba kutevera mutongo uyu.

Zvinonzi vechidiki veZanu PF ndivo vakachengetedza purazi iri pari zvino, uye midziyo, chikafu nezvipfuyo zviri kungopfachurwa pamadiro. Studio 7 yatadza kubata VaMushambi kuti tinzwewo divi ravo.

Asi mumwe wevaridzi vepurazi iri, VaCharles Makani, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vashandi vanosvika mazana maviri varasikirwa nemabasa uye havachina pekugara.

Dzimwe Nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG