Accessibility links

Breaking News

MDC Yokwidza Zvichemo kuZEC


Masangano anopikisa hurumende anoti ari kuendesa zvichemo kuZEC, pamusoro pekushungurudzwa kwavanoti kuri kuitwa nhengo dzavo.

Vanoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, VaPaul Temba Nyathi, vati vari mushishi rekuunganidza humbowo hunoratidza kuti nhengo dzavo dziri kurohwa, kusungwa kana kushungurudzwa.

Ukuwo Elections Director mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaDennis Murira, vanoti vakatoendesa zvichemo zvavo nemusi weChishanu kuZEC, asi hapana chavati vanzwa.

Mutauriri weZEC, Va Shupikai Machereni, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Murira avo vanoti ZEC ikarega kupindira nyaya iyi, vachaikwidza kumatare edzimhosva.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Electoral Commission rinonzi ramisa vanhu vanga vachiita basa rekudzidzisa veruzhinji nezvekuvhota musarudzo dzichaitwa kupera kwemwedzi uno.

Zvinonzi ZEC iri kuti vanhu ava vanga vava kuita zvematongerwo enyika, vachikurudzira vanhu kuti vavhotere bato rinopikisa.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau ari muGweru, Taurai Shava, vamwe vari kuti ZEC haichina mari, izvo zvapa kuti imise vanhu ava kuita basa.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG