Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vopa Zvikoro Zvisina Magetsi maComputer


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChitatu vakapinda kumaruwa ekuMashonaland East vachitsvaga rutsigiro.

Vachitaura vari paMutawatawa Growth Point kuMaramba Pfungwe constituency, VaMugabe vati varairidzi vanofanirwa kudzokera kuchikoro, nekuti hurumende iri kugadzirisa zvichemo zvavo.

VaMugabe vatiwo vemabhizimisi vari kudhurisa zvinhu, uye hurumende dzekunze dzakatemera hurumende yavo zvirango, izvo zviri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

VaMugabe vaudza vanhu kuti vakatenga chibage kubva kuZambia neMalawi chinosvika zviuru mazana mashanu, kana kuti 500 000 tonnes, nokudaro vanhu havafe nenzara gore rino.

VaMugabe vapa zvikoro zvekwavaenda macomputer, kunyange hazvo munzvimbo idzi musina magetsi.

VaEarnest Mudzengi vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachishanda neNCA. VaMudzengi vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe havachina zvitsva zvavangaudze vanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG