Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kukoka Vaongorori Vesarudzo Vekunze


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutauriri wavo, VaGeorge Charamba, vanoti havasi kuzobvumidza vaongorori vesarudzo vekunyika dzavasingawirirane nadzo, kuti dzipinde munyika munguva yesarudzo.

Izvi zviri kuitwa kunyange hazvo mutungamiri wehurumende yeSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakati vakabudirira kuti sarudzo dzemuZimbabwe dziitwe pachena pasina anozogunun’una.

Chibvumirano cheSADC musarudzo chinoti vaongorori vesarudzo vanofanira kupinda munyika pasara mazuva makumi mapfumbamwe, asi muZimbabwe kusvika pari zvino, hapana ati auya.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti Zimbabwe infanirwa kubvumidza vaongorori vesarudzo vanobva kunze kwenyika kupinda munyika.

Mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 abata Muzvare Gladys Hlatshwayo, advocacy officer veCrisis in Zimbabwe Coalition, uye National Director veNCA, VaEarnest Mudzengi, avo vati VaMugabe havafanire kutya kudaidza vaongorori vesarudzo kana vasina chekuviga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG