Accessibility links

Breaking News

Zimondi: Kana Zvodii Handisarute Tsvangirai Kana Makoni


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti rinoshora zvikuru mashoko akataurwa nemukuru weZimbabwe Prison Services, VaParadzayi Zimondi, ekuti kana VaTsvangirai kana VaMakoni vakakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika, ivo vachasiya basa vonorima.

Vachitaura neChina muHarare kuvashandi veZimbabwe Prison Services, VaZimondi vakapika kuti havafi vakasaruta varume vaviri ava, kana mumwe wevaviri ava akasarudzwa semutungamiri wenyika. MDC inoti kutaura kwakadai kuno konzera kuti munyika musagadzikana, sezvo mashoko aya akataurwa paruzhinji rwevanhu.

Bato iri rinotiwo mashoko akadai haatarisirwi kubva kumushandi wehurumende ane chinzvimbo chaVa Zimondi. Studio 7 yatadza kubata VaZimondi sezvo vanga vasiri muhofisi mavo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo riri kuronga kukwidza nyaya iyi kuboka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, richinyunyuta nematauriro akaitwa naVaZimondi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG