Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Mhirizhonga Ichawanda Musarudzo Gore Rino


Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition neChipiri rakaparura gwaro rinoratidza mamiriro akaita zvinhu munguva yekugadzirira sarudzo dzemuna Kurume.

Gwaro iri rinoti muZimbabwe hamumbofe makaita sarudzo dzakachena, nepamusana pekuti zvinhu zvose zvinenge zvakarerekera kuZANU-PF.

Sekutaura kuri kuita Slyvia Manika, Crisis in Zimbabwe Coalition inotiwo izvi zvakawedzerwawo nekuti mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakatadza kugadzirisa gakava rezve matongerwo enyika riri pakati peZANU-PF ne MDC.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzesarudzo dzinoti ongororo dzakaita segwaro re Crisis in Zimbabwe Coalition, dziri kuratidza chokwadi chemamiriro akaita zvinhu munyika.

Magwaro akabuditswa ne ZESN ari kuratidzawo kuti pane matanho anofanirwa kutorwa nehurumende pamwe neve ZEC, kuitira kuti vanhu vakwanise kuvhota vakasununguka musarudzo.

Dr Reginald Matchaba-Hove, inyanzvi munyaya dzesarudzo, uye vaimbova Sachigaro ve ZESN.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naDr Matchaba-Hove avo vanoti nemamiriro akaita zvhinhu munyika, hazvingashamisi kana sarudzo idzi dzikangoita sedzemugore ra 2002, apo vanhu vakashungurudzwa, kurohwa, kana kuuraiwa.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG