Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vofambira Mashangu Rapata kuZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanonzi vakafambira mashangu rapata kuZimbabwe neChina sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, varamba vakatsika madziro vachiti sarudzo dziitwe muna Kurume. Zvinonziwo VaMugabe vatiwo nyaya yebumbiro remitemo idzva, imbosendekwa kusvikira sarudzo dzaitwa.

Vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe neSouth Africa vaudza Studio 7 kuti VaMbeki vaedza kuti VaMugabe vanzwisisane nevanopikisa kwemaawa akawanda kusvika vazogeza maoko saMambo Pirato.

VaMbeki vasangana naVaMugabe uye vatungamiri vezvikwata zviviri zveMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaArthur Mutambara. Nhepfenyuro yeSABC inoti VaMbeki vataura kwemaawa mana naVaMugabe.

Pavapedza kutaura naVaMugabe, VaMbeki vataura nevatori venhau kwenguva shomanani. VaMbeki vaudza vatori venhau kuti nhaurirano pakati pe MDC neZanu PF dziri kuenderera mberi. Vatiwo sarudzo dziri kuitwa muna Kurume sezvakarongwa nehurumende.

Vakuru muMDC vanoti havasi kufara nezvaitika munhaurirano idzi. Studio7 haina kukwanisa kubata VaTsvangirai kana VaMutambara kuti tinzwe divi ravo parwendo rwaVaMbeki.

VaMbeki vakadomwa neSADC kuti vabatsire mukuyananisa MDC ne Zanu PF, kuitira kuti gakava rezve matongerwo enyika riripo, ripere. VaMbeki vakati vari kuda kuona kuti sarudzo dzemuZimbabwe dzaitwa nemazvo, uye kuti vanopikisa hurumende, vapinde musarudzo vakafara.

Asi hurumende yaVaMugabe iri kugara yakashungurudza vanoipikisa, pamwe nekuvasunga ichivapomera mhosva dzisina musoro.

MDC inoti haisi kuzopinda musarudzo dzemuna Kurume kana VaMugabe vasina kuchinja maitiro avo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG