Accessibility links

Breaking News

ZEC Inopa VaMugabe Gwaro Rekutarwa Kwematunhu Achaitirwa Sarudzo


Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaendesa gwaro rekutanga (preliminary report) rekutarwa kwemiganhu yematunhu achaitirwa sarudzo kuna VaMugabe.VaMugabe vanonzi varumbidza gwaro iri zvikuru, asi nhengo dzeparamende dzinoti hadzina kupihwa gwaro iri.

Vari kuziva zviri mugwaro iri vanoti, Matabeleland North ichange iine matunhu ekuvhotera gumi nematatu, Mashonaland West yapihwa matunhu ekuvhotera makumi maviri nemaviri. Matabeleland South yava nematunhu gumi nematatu achamirirwa muparamende.

Bulawayo Province yakaganhurwa ikapihwa matunhu gumi nemaivri. Harare Province yava nematunhu makumi maviri nemapfumbamwe. Midlands ichange yave nematunhu makumi maviri nemasere, Manicaland matunhu makumi maviri nematanhatu, ukuwo Mashonaland Central matunhu gumi nesere. Mashonaland East yapihwawo matunhu makumi maviri nematatu, ukuwo Masvingo ichange yava nematunhu ekuvhotera makumi maviri nematanhatu.

Gwaro iri rinoti vanhu vanosvika 5 612 464 ndivo vakanyoresa kuti vavhote musarudzo dzemuna Kurume.

Gwaro iri raendeswawo zvakare kudare reparamende. Asi bato reMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, rinoti riri kupokana nemaitirwo akaitwa miganhu yenzvimbo dzichaitirwa sarudzo neZEC, sezvo richiti hurongwa uhwu hwakaitwa muchivande.

Asi MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, inotiwo ichazotaura pfungwa dzayo kana yaona zviri mugwaro iri.

Constitutional Amendment Number 18, yakaita kuti mudare re House of Assembly, muve nezvigaro zvinosvika mazana maviri negumi, uye dare reseneti richange riine zvigaro makumi mapfumbamwe nezvitatu.

Carole Gombakomba weStudio 7, aita hurukuro zvakare nachief whip weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaInnocent Gonese, avo vanga vari muparamende kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya yeDelimitation Preliminary Report.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG