Accessibility links

Breaking News

NCA Yodzidzisa Vanhu Zvakakoshera Kuvhota Musarudzo


Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro remitemo idzva, reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti rakaparura chirongwa chekudzidzisa vanhu nezvekukosha kwekuti vaende kunovhota musarudzo dzichaitwa gore rino, kunyange hazvo pasati pava nebumbiro remitemo idzva.

Sangano iri rinoti rakatanga kupinda mumaruwa munzvimbo dzinenge dzichinwiwa doro, kana kutandarwa nevanhu, richipa vanhu nyama yemombe kana yembudzi kuti vadye apo vanenge vachitaura zvakakoshera kuvhota.

Mutauriri weNCA, VaMaddock Chivasa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti pari zvino vapinda mumatunhu eMashonaland Central, Mashonaland East, pamwe neManicaland uye vachapinda mumatunhu ose ari munyika, uye vacharamba vachiita izvi kusvika sarudzo dzaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG