Accessibility links

Breaking News

VaParirenyatwa Vonyengetedza Vana Chiremba Kudzokera Pabasa


Vana chiremba vachiri kupeta hunyanzvi hwavo vari pabasa, avo vakakanda mapadza avo pasi masvondo maviri apfuura, vatanga kudzoka kubasa, mushure mekutanga hurukuro nehurumende.

Vana chiremba ava, vakaramwa mabasa vachinyunyuta nekuderedzwa kwakanga kwaitwa mari dzemihoro yavo nehurumende zvisina tsarukano.

Gurukukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vakati hurumende iri kuedza kutsvaga nzira dzekuti igadzirise zviri kunetsa vashandi vemuzvipatara. vaparirenyatwa vakatiwo zvichemo zvavana chiremba navana mukoti, zvinofanirwa kunge zvichiongororwa ne Health Services Board.

Ukuwo vana mukoti vazhinji vanonziwo havasi kuenda kumabasa, vachiti mari dzavari kutambira ishoma, uye havana mari yekufambisa kuenda kumabasa.

Dr Amon Siveregi ndivo mutungamiri weHospital Doctors Association.

Mutori wenhau we Studio7, Carole Gombakomba aita hurukuro na Dr Siveregi, ndokutanga nekuvabvunza kuti sei vazobvuma kudzoka kubasa.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG