Accessibility links

Breaking News

RBZ Yokundikana Kudhinda Mari Inokwana Munyika


Fidelity Printers, kambani yeRBZ inodhinda mari, inonzi yave kukundikana kudhinda mari inodiwa munyika nekuda kwe hyper-inflation iyo yoita chamurambamhuru munyika.

Vamwe vakuru muRBZ vaudza Studio 7 kuti michina yekuFidelity Printers, haisi kudzimwa asi hapana chiri kubuda nekuti mari dziri kudhindwa dzacho, hadzisi kubatsira sezvo dzisina chadziri kutenga uye dziri diki.

Kusawirarana muhurumende kunonzi kuri kupawo kuti pasadhindwe mari yakakura yakaita se Z$10 million dollars.

Vamwe vakuru muhurumende vanoti izvi zvikatwa, zvinenge zvoratidza pasi rose kuti VaMugabe vakundikana.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJohnson Masvosva, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti RBZ inofanira kudhinda mari yakakura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG