Accessibility links

Breaking News

VaZuma Voita Masimba Ezve Matongerwo Enyika Anokunda aVaMbeki


Kusarudzwa kwaVaJacob Gedleyihlekisa Zuma kuti vave mutungamiri webato riri kutonga muSouth Africa, re African National Congress, kana kuti ANC, kunoreva kuti VaZuma vava nesimba rakanyanya munyaya dzezve matongerwo enyika kudarika mutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mvuyelwa Mbeki. Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti VaZuma, semutungamiri mutsva we ANC, vanogona kupindira munyaya yenhaurirano dziri kuitwa pakati peMDC neZanu PF, idzo dziri kutungamirwa naVaMbeki.

VaZuma vakakunda VaMbeki neChipiri musarudzo dzehutungamiri hwe ANC, idzo dzakaitwa kuPolokwane.

Kuti tinzwe zvinoreva kupinda kwaVaZuma muhutongi hweANC, Ntungamili Nkomo weStudio7 abata nyanzvi munyaya dzezve matongero enyika Professor John Makumbe, avo vanoti VaZuma vava nesimba rekuudza VaMbeki zvekuita munhaurirano dzeMDC neZanu PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG