Accessibility links

Breaking News

MDC Yokoka Mamwe Mapato, Masangano Akazvimirira, Mukurwisa VaMugabe Pasarudzo


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kuronga kukwezva mamwe mapato ezvematongerwo enyika, pamwe nemasangano akazvimirira oga, kuitira kuti apinde musarudzo dzegore rinouya vakabatana.

Bato iri rinoti kana mapato ezvematongerwo enyika anopikisa hurumende yaVaMugabe akabatana, zvinoita nyore kubvisa hurumende yaVaMugabe musarudzo dzegore rinouya.

Izvi zvakabuda mushure memusangano weNational Council wakaitwa nebato iri mukupera kwesvondo muHarare.

Mutauriri webato iri VaNelson Chamisa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanhu vachawana chipo chekisimusi chekubatana kwemapato anopikisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG