Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Kutyorwa Kwekodzero Dzevanhu Kuri Kuenderera Mberi


Sangano reAmnesty International rinoti hurumende, kuburikidza nemapurisa eLaw and Order, iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu.

Amnesty International inoti izvi zviri kuitwa kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vari kuyedza kuyananisa MDC neZanu-PF. Sangano iri rinoti pane mumwe mwana ane mwedzi gumi nepfumbamwe, akarohwawo nemapurisa akatakurwa naamai vake mukuratidzira kwe NCA.

VaSimeon Mawanza vanoshanda neAmnesty International, uye vakatungamira ongororo iyi vanoti vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti SADC inofanira kudzora VaMugabe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG