Accessibility links

Breaking News

FewsNet Inoti Vagari Vemumadhoroba Vanodawo Rubatsiro Rwechikafu


Sangano rinoongorora mamiriro akaita chikafu munyika dzepasi rose reFewsnet, rinoti rubatsiro rwechikafu chinobva kunze kwenyika, rwuri kuenda kuvanhu vagere kumaruwa, kunyange hazvo vemumadhorobha vari kuwanawo chifau ichi.

Muongoro yakaitwa muna gumiguru, FEWSNET, inoti vanhu vanoshupika mumaguta pamwe nekumaruwa, vaikwanisa kudya sadza kaviri pazuva, izvo zvayiita kuti muviri yavo ive yakasimba.

FEWSNET inotiwo vanhu vemudhorobha vanofanirwa kuwanawo chikafu chekakwana, sezvo mumaguta aya muine vanhu vakawanda vari kushayawo chikafu.

Munyori wezvekurima muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, VaRenson Gasela, vanoti ichokwadi kuti vamwe vagari vemumaguta vanofanirwa kubatsirwa nechikafu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaGasela kuti tinzwe mafungiro avo panyaya iyi

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG