MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti inogona kubuda munhaurirano neZanu-PF dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.
MDC inoti haisi kufara nenyaya yekuti Zanu-PF haisi kuratidza chido chekuda kuvandudza mitemo yesarudzo, uye mitemo yakaita seAIPPA nePOSA. Nyaya yenhaurirano iri kukonzera makakatanwa munyika.
Vamwe vanoti zviri nani kuti MDC ibude munhaurirano idzi, sezvo Zanu_PF isiri bato rekuvimba naro. Vamwewo vanoti kubuda musarudzo idzi dzingave njere dzebenzi kuhwanda mvura mutsime.
Mukuzeya nyaya iyi mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro naVaGlen Mpani, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika pamwe naNational Director ve NCA, VaErnest Mudzengi, national director weNCA.