Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Votarisirwa Kuudza CHOGM Mamiriro Akaita Zvinhu muZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa kuudza vatungamiri venyika dziri mu Commonwealth mafambiro ari kuita zvinhu pakati peZANU-PF neMDC. Musangano weCommonwealth uri kutanga muUganda neChishanu, uye uchavhurwa zviri pamutemo naMambokadzi weBritain, Elizabeth II. Mambokadzi Elizabeth II vasvika muUganda neChina. Zimbabwe yakabuda muchikwata ichi muna 2003.

Asi masangano akazvimirira, pamwe neMDC anoti Zimbabwe inofanirwa kudzokera muCommonweatlh. Zvichitevera kubuda kweZimbabwe muCommonwealth muna 2003, gungano iri rakadoma Jamaica kuti ive sachigaro wenyika nhanhatu, idzo dzinosanganisira South Africa, Mozambique nedzimwe kuti dzirambe dzichitsvaga nzira dzekuti Zimbabwe idzoke muCommonwealth. Nyika idzi hadzina kupihwa nguva yedzinofanirwa kunge dzepedza basa radzo.

Mutevedzeri wemutauriri weCommonwealth Secretariat, VaManoah Esipisu, vanoti kudzoka kweZimbabwe mugungano iri zviri kuna VaMugabe, avo vakati Zimbabwe yabuda muCommonwealth.

VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNANGO uye vari kuKampala.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya yeZimbabwe neCommonwealth.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG