Accessibility links

Breaking News

ZESN Yobuditsa Pachena Kusafamba Zvakanaka kweMobile Registration Exercise


Sangano reZimbabwe Election Support Network, rabuditsa gwaro reongororo yavakaita ye Mobile Registration Exercise, iyo vanoti haina kufamba zvakanaka.

ZESN inoti chikamu chekuwedzera hurongwa uhwu chakapera neChina svondo rapera, changa chingori nematambudziko anga aripo pachakatangwa.

Matambudziko aya anosanganisira, kusashambadzirwa zvakanaka kwechirongwa ichi, nekuti vanhu vazhinji havana kuziva nezvacho. Kushaika kwemagetsi nezvinoshandiswa pakutora mifananidzo yepazvitupa, zvimwewo zvinonzi zvakakanganisa chirongwa ichi.

Gwaro iri rinoratidza zvakare kuti mapato ezvematongerwo enyika anopikisa hurumende, haana kunge achikurudzira vatsigiri vavo, kuti vaende kuzonyoresa, kuitira kuti vakwanise kuzovhota musarudzo dzegore rinouya. ZANU-PF, ndiyo chete inonzi yakaita musangano mumwe chete kuKariba wekukurudzira vanhu kuti vandonyoresa.

Rimwe dambudziko riri kutaurwa nezvaro mugwaro iri, ndere kuti vashandi vanga vachiita basa rekunyoresa vanhu, vanga vave kuti vanoda chioko muhomwe kubva kune vagari vemumaruva, izvo zvinonzi zvanga zvava kuita kuti vanhu varege kuenda kunonyoresa mune dzimwe nzvimbo.

VaNoel Kututwa ndivo sachigaro veZESN. VaKututwa vanoti chishamiso chiri mugwaro iri, ndechekuti madzishe akange ave kuratidza kuda kubatsira vanhu nekuvapa magwaro zvisineyi nekuti vanotsigira bato ripi.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaKututwa kuti vatsanangure zviri mugwaro ravo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG