Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vari Kumaka Mazamanishoni Vanoti Mari Dzavari Kupiwa Ishoma


Varairidzi vari kunyunyuta nemari dzavari kupihwa mushure mekumaka bvunzo dzeGrade 7, “O” Llevel pamwe ne ”A” Level dzegore rino.

Hurumende yakazivisa kuti mari yevachamaka bvunzo dzeGrade 7 vachawana $30 000.00, “O” Level $70 000.00 koti “A” Level $150 000.00 pagwaro rimwe chete.

Bvunzo dzeGrade 7 dzakatopera kumakwa uye dze “O” Level dzichatanga kumakwa mumasvondo maviri anotevera. Hatina kukwanisa kunzwa kuti hurumende ichagadzirisa seyi nyaya iyi.

VaTakavafira Zhou ndivo mutungamiri wesangano rePTUZ.

VaZhou vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mari idzi ishoma zvikuru izvo zvichazoita kuti varairidzi vaedze kumaka mapepa akawanda kuitira kuti vawanewo mari yakawanda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG