Accessibility links

Breaking News

Makambani Otadza kuita Basa Nekushaya Magetsi


ZESA inonzi yave kupota ichichinja ma transformer ichiaendesa kunzvimbo dzakasiyana siyana senzira yekuyedza kuvharidzira matambudziko emagetsi akatarisana nenyika.

Vamwe vakuru muZESA vanoti vacharamba vachiita izvi sezvo vasina mari yekunze uye majenareta ekuhwange anonzi agarisa zvekuti kwave kudiwa matsva.

ZESA iri kutadzawo kubhadhara zvikwereti zvekumakambani akaita seCahora Bassa yekuMozambique, pamwe ne Sneil yekuDRC.

Hupfumi hwenyika hwave kuendawo kumawere nekushomeka kwemagetsi, mvura uye mari yekunze.

Makambani mashoma chete akaita seImpala, ZIMASCO, pamwe neRenco Gold Mine ndiwo ari kuwana magetsi sezvo ari kutenga kubva kumakambani akaita seCahora Bassa achishandisa mari yawo yekunze.

Amai Marah Hativagone ndivo mutungamiri weZNCC.

Amai Hativagone vaudza mutori wenhau weStudio7 Blessing Zulu kuti hurumende inofanira kudana vekunze kuti vapindewo munyaya dzezvemhando dzemoto.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG