Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Musangano weMDC naVaMohadi


Zuva rakatarwa naVa Thabho Mbeki remusi wa 31 Gumiguru, rekuti nhaurirano pakati peMDC neZANU-PF dzinge dzapera ravakusvika. Asi vanoongorora zviri kuitika munyika vanoti izvi hazvisi kuzoitika sezvo pasina chashanduka munyika.

Bato reMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, rinotiwo kushungurudzwa kwenhengo dzaro kukaramba kuchienderera mberi, richabuda nuhurukuro idzi, pamwe nekusapinda musarudzo dzegore rinouya. Izvi zvakazoita kuti gurukota rinoona nzvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vadaidze MDC kuti vataurirane.

Asi mibvunzo iripo ndeyekuti izvi zvine zvazvinobatsira here? Uye sezvo MDC iri kuti ingangobuda muhurukuro idzi nenyaya yemhirizhonga, dai hurumende isina kuvadaidza kuti vataurirane, vanhu vaizoti kudii zvakare?.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaPhillip Pasirai, vanoongorora zvematongerwo enyika, uyezve vari Senior Programs Officer mu Crisis in Zimbabwe Coalition, pamwe na Doctor John Makumbe, nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uyezve vari mudzidzisi mukuru paUniversity of Zimbabwe kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG