Accessibility links

Breaking News

High Court Yozeya Nyaya yaAmai Matibenga neChishanu


Dare reHigh Court neChishanu riri kutarisirwa kunzwa nyaya yakakwidzwa kudare nasachigaro weWomens Assembly yeMDC, Amai Lucia Matibenga, avo vakambomiswa basa vachinzi havasi kushanda nemazvo. Amai Matibenga vanoti Standing Committee yeMDC yakatyora bumbiro remitemo, apo yakabvisa hutungamiri hwegungano revanhukadzi.

Amai Matibenga vanoti vari kuda kuti musangano we extraordinary congress wekusarudza vatungamiri vatsva neSvondo, umbomiswa.

Nyaya iyi yakonzera kuti paite ropa rakaipa pakati penhengo dzebato iri. Vamwe mubato iri vanoti vakuru vebato vari kuda kuti sachigaro we Mashonaland East, Amai Theressa Makone, vatore chigaro chaMai Matibenga.

Mashoko atiri kutambira anoti Mai Makone vatotanga kutsvaga rutsigiro kuti vatore chigaro ichi. Hatina kukwanisa kunzwa divi raMai Makone, kana Mai Matibenga.

Nyaya yekuda kudzinga Amai Matibenga muMDC iyi yaitawo kuti masangano emadzimai adye gaka. Masangano akawanda achitungamirwa neWomen in Politics, asangana muHarare neChitatu akashora zvikuru hutungamiri hweMDC, ndokuti ari kutsigira Amai Matibenga.

Director weWomen in Politics Support Unit, Amai Rutendo Hadebevaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti Amai Matibenga vakadzingwa kungava kurova shumba nembama.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7..

XS
SM
MD
LG