Accessibility links

Breaking News

Tel-One Yokundikana Kuita Basa Rayo Nemazvo


Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko, dzinoti dambudziko redzinhare riri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi munyika.

Asi kambani yeTel-one yakabuditsa gwaro rinotsanangura kuti dzinhare dziri kutadza kushanda zvakanaka, nepamusana pekudzimwa dzimwa kwemagetsi. Masvondo matatu apfuura, Tel-One pamwe ne Econet, dzakabuditsa mashoko ekuti connector inoita kuti nharembozha dzishande pamwe chete zvakanaka, yakafa.

Iye zvino Tel-One iri kuti zvakare tambo dzinoita kuti dzinhare dzishande, dziri kubiwa. Vamwe vane dzinhare mudzimba dzavo vanoti hadzisi kushanda uye dzimwe dzacho dzatova negore dzisiri kushanda.Vari kuchaya nhare vachida kumhan’ara kuti dzigadziriswe, vanoti vari kuudzwa kuti macomputer akafa.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nenhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko, Va Murisi Zwizwai, avo vanoti hazvikwanisike kuti titsaure zviri kunetsa panyaya yekufambiswa kwemashoko, nemamwe matambudziko ekufambiswa kwemari nehutongi husina kumira zvakanaka munyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG