Accessibility links

Breaking News

Save Zimbabwe Campaign Yoronga Kuita Musangano Mukuru Wekutsvaga Gwara Rekutevera


Dare repamusoro re Save Zimbabwe Campaign, kana kuti general council, yasangana neChitatu muHarare ikakurukura nyaya yenhaurirano dziri pakati peZANU-PF neMDC, idzo dziri kutungamirirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Musangano uyu unonzi wabuda nechisungo chekuti sangano iri ritumire nhumwa dzaro kumapato ezve matongerwo enyika, dzichinoaudza kusafara kuri kuita Save Zimbabwe Campaign pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa nhaurirano idzi, zvikuru mabatirwo akaitwa nyaya yeConstitutional Amendment bill number 18.

National Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, vanoti Save Zimbabwe Campaign ichaita musangano mukuru weNational Peopleā€˜s Convention, uyo uchabuda negwara richateverwa nesangano iri panyaya dzehurukuro idzi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe zvabuda pamusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG