Accessibility links

Breaking News

Nhengo YeZINASU Yopomerwa Mhosva Yekuda Kukurudzira Kupfuudzwa kwaVaMugabe


Nhengo yeZINASU general council VaMehluli Dube varikupomerwa mhosva yekuda kukurudzira vanhu kuti vabvise VaMugabe nechisimba kana kuti treason.

Mutongo uyu une chirango chekugara mujeri kwehupenyu hwose kana rufu.

Mapurisa epaBulawayo central police anoti VaDube vakaudza vanhu pamusangano weCrisis in Zimbabwe Coalition kuGwandasvondo rapera kuti kana VaMugabe vasingadi kuenda vaifanira kubviswa nevhoti kana kuti bara repfuti. Asi VaDube varikuramba mashoko avari kupomerwa aya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurumende iri kuyedza kunyaradza vanoipikisa sezvo yatarisana nesarudzo. Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai pamwe naVaNdabaningi Sithole veZANU-Ndonga vakambonziwo vaida kupidigura hurumende nechisimba apo vaigadzirira sarudzo.

VaDzikamai Machingura vanotungamira ZIMRIGHTS vanovawo rimwe remagweta aVaDube vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti mapurisa akaiti nyaya iyi inofanira kutanga mukati memavhiki matatu.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG