Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vemuzvikoro Zvepamusoro Voronga Kuramwa Zvidzidzo


Sangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro reZimbabwe National Students Union, ZINASU, razivisa kuti vadzidzi vacharamwa zvidzidzo zvavo uye kuratidzira muzvikoro zvakasiyana siyana vachinyunyuta nekukwidzwa kwemari dzechikoro pamwe nezvimwe zvavati zviri kutadza kuitwa nehurumende.

Mari yechikoro yakakwidzwa kubva pa$60 000.00 pasemester, kusvika pa$10 million pasemester.

ZINASU yati kuramwa zvidzidzo uku kungangotanga mukati mesvondo rinouya kana rinouya pamberi uye kuchaenderera mberi kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezve dzidzo yepamusoro, Va Stan Mudenge, kuti tinzwe pfungwa dzavo.

VaClever Bere vanowe mutungamiri wevadzidzi paNational University of Science and Technology, uye vari nhengo yehutungamiri hweZINASU, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hutungamiri hweZINASU hwatotanga kupinda munhengo dzavo vachidzisimbisa nezvehurongwa uhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG