Accessibility links

Breaking News

MDC Yotosvora Masangano Akazvimirira Ega paNyaya yeBumbiro reMitemo


Paramende neChitatu yekuzeya kechipiri kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika. Constitutional Amendment Bill number 18 yapinda mu Committee Stage, apo nhengo dzose dzeparamende dzinonzwa zvose zvinenge zviri mubhiri iri.

Chief whip weMDC VaInnocent Gonese vanoti kana nyaya iyi yapera ichaendeswa kudare reseneti.

Masangano akazvimirira oga anoti MDC yakadzorera chimurenga kumashure apo yakawirirana neZANU-PF kuvandudza bumbiro remitemo.

Masangano aya anoti pasi peSave Zimbabwe Campaign, vainge vatenderana kuti paitwe bumbiro remitemo idzva. Masangano asiri kuwirirana nezvaitwa ne MDC anosanganisa Misa-Zimbabwe, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Crisis in Zimbabwe Coalition, NCA nemamwe. NCA yakanyora tsamba kumapephnau ichiti MDC haisi kuremekedza zvavakataurirana kuSave Zimbabwe Campaign.

Asi veMDC vanoti hava kutengesa. Mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaAziz Pahad, vakazivisa neChitatu kuti vari kufara ne Constitutional Ammendement Bill Number 18.

Vakati vane chivimbo chekuti aya mavambo ekugadzirisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Asi mutungamiri weSenegal, VaAbdoulaye Wade, vatiwo VaMbeki voga havangakwanise kugadzirisa nyaya yeZimbabwe.

Sachigaro weNCA Dr Lovemore Madhuku vanoti zvoitwa neMDC handizvo zvavakatenderana nazvo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG