Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotengera VaMugabe  neVamwe Vavo Zvikarara Zvemota Vanhu Vachinetseka


Hurumende iri kutenga motokari dzemakurukota ehurumende nevatevedzeri vavo, mutungamiri wenyika, madzishe uye nhengo dzedare reparamende nemari inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora eku America, kana kuti US$17 million.

Asi hurumende yakaisa parutivi mari inoita Z$347 billion chete yekutenga chikafu. Vamwe vachawanawo motokari idzi vakuru vemauto nemapurisa.

Motokari yaVaMugabe yeMercedes Benz S600L inonzi inoita US$250,000, uye yakatengwa kubva kuDaimler Chysler kuGermany.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vanoti vakuru vehurumende vanofanira kufamba vakachengetedzwa nekudaro hapana chakaipa pakuti vatengerwe motokari idzi.

Doctor Godfrey Kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvinorwadza kuti apo vanhu vari knhonga svosve nemuromo, hurumende iri kudya ichipfachura pamotokari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG