Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Mazuva eChirongwa cheMobile Registration Exercise


Hofisi ya Registrar General yazobvuma kuwewedzera mazuva echirongwa che mobile registration exercise munzvimbo dzinonzi chirongwa ichi hachina kufamba zvakanaka.

Zvisineyi, muchiziviso chehurongwa uhu icho chaburitswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, hapana zvizvinji zvataurwa maererano nekuti inzvimbo dzipi dzichaitwa chirongwa ichi, kana kuti zvichafambiswa sei. ZEC inoti yakateerera zvakataurwa nemapato ezvematongerwo enyika, pamwe nemamwe masangano anoongorora zvesarudzo, ayo aichema chema achiti chirongwa ichi hachina kufamba zvakanaka.

Acting Director ve ZESN, VaDenford Beremauro, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti iri idanho rakanaka, asi vaida kuti ZEC itambire zvichemo zvavo zvizere.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro na Mai Priscila Misihairambwi Mushonga mutevedzeri wemunyori mukuru, uye vari mumiriri we Glen Norah muparamende mu MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, avo vanoti havasi kufara nemabatirwo aitwa basa ne ZEC panyaya iyi.

Zvichakadaro bato re MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai rakanyorawo tsamba yenyunyuto ku ZEC, nepamusana pemafambisirwo akaitwa chirongwa che mobile registration exercise, richiti vanhu vazhinji vakashaya mukana wekunyoresa, nepamusana pezvimhinga mupini zvanga zviri muchirongwa ichi.

Hofisi yaRegistrar General inoti, vanhu vanosvika zviuru makumi masere ndivo vakakwanisa kunyoresa sevavhoti.

Carole Gombakomba aita hurukuro nemukuru anoona nezvesarudzo mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Ian Makone vari kutiwo havasi kugutsikana nedanho ratorwa ne ZEC iri.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG