Accessibility links

Breaking News

Ma War Vets Anoratidzira muHarare Achibatsirwa Nemapurisa


Vaimbova varwiri verusununguko pamwe nevanhuwo zvavo neChitatu vakapinda mumugwagwa muHarare, vachiratidza rutsigirirwo rwavo kumutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nehutongi hwavo.

Mutori wenhau weStudio7, Irwin Chifera, anoti vanhu vazhinji havana kuratidza kufarira ma war vets aya.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vataurawo nema war veterans aya vakati vafara nerutsigiro ruri kubva kuma war vets.

VaMugabe vakatora mukana uyu kushora hurumende yeBritain vachiti yainge yaramba kuvapa mari yeminda sezvayainge yambovimbisa.

Vakashorawo hurumende yeAustralia vakati iri kuda kudzinga vana vevakuru vehurumende yavo vasina mhaka vari kudzidza kunyika iyi. VaMugabe vati vachaonawo zvekuita nevanhu vekuAustralia vane mabhizimisi munyika zvikuru seimigodhi.

VaMugabe vatukawo sachigaro weNCA, VaLovemore Madhuku, vachiti vanongotaura nenyaya yebumbiro remitemo, senzira yekutsvaga mari. Vakatiwo vari kuti vaende pamudyandigere, vari kutambisa nguva yavo sezvo pasina kwavari kuenda.

Blessing Zulu weStudio7 ataura naVaMax Mukandla, avo vakarwirawo rusununguko rwenyika, uye vakavamba bato rimwe rema war vets rinonzi Zimbabwe Liberators Peace Initiative, kuti tinzwe pfungwa dzavo.

MDC inoti haisi kufara nezviri kuitwa nemapurisa zvekurambidza misangano yavo, asi vachitendera vanotsigira ZANU-PF kuti vaite pamadiro ajojina.

MDC inoti mwedzi uno chete misangano yayo inodarika zana yakarambidzwa nemapurisa.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti vanhu varatidzira ava havasi mawar vets chaiwo.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG