Kuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya kungango kanganisika sezvo varairidzi vari kunzi vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe nezvikamu mazana mana kubva muzana (400 %) kutanga mwedzi unouya.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti varairidzi vari kuda kuti mari dzavo dzikwidzwe kubva pa$2.9 million yavari kutambira iye zvino, kusvika pa$15 million pamwedzi. Izvi zvinonzi zvakatoziviswa kuPublic Service Commission, pamwe nebazi rezvedzidzo, asi hapana mhinduro yati yawanikwa.
Tatadza kubata munyori mukuru webazi redzidzo, Doctor Stephen Mahere, sezvo vanzi vanga vari mumusangano.
Mutungamiri weZimbabwe Teachers Association, uye vari sachigaro weAPEX Council, Amai Tendai Chikowore, vabvuma kuti varairidzi vari kuda kuwedzerwa mari, asi varamba kutaura kuti nezvikamu zvakadii kubva muzana.
Vatiwo hurukuro pakati peAPEX Council nehurumende, dziri kuenderera mberi uye vanotarisira kuti dzichaburitsa michero.
National Executive Council yePTUZ yanga ichitarisirwa kuita musangano wekubuda nezvisungo zvekutevera panyaya iyi manheru eChipiri.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStuido 7 kuti izvi zvingangokanganisawo kunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore.