Accessibility links

Breaking News

Inflation Yokwira Zvinotyisa Kusvika pa7,638%


Sangano reCentral Statistical Office rinoti Inflation yemwedzi waChikunguru yakakwira kusvika pa7, 635% kubva pa 7,251% muna Chukumi. CSO yakange yapedzisira kuburitsa mamiriro akaita inflation muna Kubvumbi, ichiti pane zvayaida kutanga yagadzirisa.

Asi vemabhanga vange vochemachema ku RBZ nerekuti vainge votadza kubuditsa mafambisirwo emari nekuda kwekushaya kuti inflation iri papi.

Gavhuna webhanga guru remuSouth Africa, VaTito Mboweni, vanotiwo mamiriro akaita hupfumi muZimbabwe, ari kukanganisa zvikuru hurongwa hweSADC hwekubatana munyaya dzehupfumi nematongerwo enyika.

SADC iri kuda kuti nyika dzese dzemudunhu iri, dziite inflation isingapfuure 9% kusvika muna2008.

Chief Economist wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti chirongwa chehurumende che"Operation Dzikisai Mitengo" hachisi kushanda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG