Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yochema ne'Operation Dzikisai Mitengo' Pamihoro Yevashandi


Sangano revashandi reZCTU rinoti chirongwa che'Operation Dzikisai Mitengo' chiri kukanganisa hurukuro dzemihoro pakati pevashandi nevashandirwi.

Sangano iri rati rinotove nenhengo dzaro dzinoti sangano reThe Federation of Food Workers’ Union, Airways Workers’ Union neZimbabwe Construction and Allied Trade Workers’ Union, dzakatokwidza zvichemo zvekuti vashandirwi havasi kukwanisa kuwedzera mihoro nezvikonzero zvemamiriro akaita nyaya dzeupfumi.

ZCTU iri kuda kuti mari inotambirwa nemushandi wepasi itangire pa$8.2 million pamwedzi. Asi hurumende payakaparura chirongwa che'Operation Dzikisai Mitengo', yakati mitengo yezvinhu zvose yaifanirwa kudzika nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, izvo zvava kupa kuti vashandirwi vati havakwanisi kuwedzera mari yemihoro yevashandi.

Mutauriri weZCTU muzvare Khumbulani Ndlovu audza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sangano ravo rakatonyorera gurukota rezvevashandi VaNicholas Goche tsamba yekuti vapindire kuti vagadzirise nyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG