Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri vakurudzira vemabhizimisi ekunze zvikuru vanasahwira venyika kuti vauye kuzovamba mabhizimisi munyika.
Vachitaura kuRufaro Stadium kuMbare, VaMugabe vati munyika mune zviwanikwa zvakawanda zvekuti vanhu vanogona kuvamba mabhizimisi.
VaMugabe varumbidza mauto vakati aramba akashinga kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko.
Asi vatendawo kuti kushaikwa kwemari kwapa kuti vatadze kuvaka mabharaki matsva emauto. VaMugabe vatizve vemabhizimisi vange vachida kupidigura hurumende yavo, kuburikidza nekukwidza mitengo kuti vanhu vavapandukire.
Vanhu vakawanda vaenda kuRufaro Stadium sezvo pange paine bhora remahara uye mauto ange achiratidzirawo zvakasiyanasiyana, senzira yekufadza vanhu.
VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paCapetown University muSouth Africa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti hapana angade kutanga bhizimisi munyika sezvo hurumende yaVaMugabe isingatevedzeri mutemo.
Mune imwewo nyaya, ane mashoko anoti vanhu vanogara muKuwadzana neDzivaresekwa neChipiri vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa nemasoja. Vakaona zvichiitika vanoti mapurisa nemasoja akarova vanhu mangwanani paKuwadzana 4 Shopping Centre.
Zvinonzi mapurisa nemasoja ava nemasvondo matatu achionesa ndondo vanhu vemunzvimbo idzi. NeMuvhuro, vanhu vakawanda vakarohwa zvakare vachimanikidzwa kuti vaende kuHeroes Acre, uko VaMugabe vaitaura.
Vanhu vaitengesa zvinhu vanonzi vakazvitorerwa nemapurisa nemasoja. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Nhepfenyuro yeShort Wave Radio Africa inotiwo masoja akaenda muDzivaresekwa neKuwadzana kuma 10 dzemangwanani, akamanikidza vanhu kuenda kuHeroes Acre.
Mumiriri weKuwadzana muparamende, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Patience Rusere weStudio 7 kuti kurohwa kwevanhu vemunharaunda yavo kuri kuenderera mberi zvokuti vava kuendesa nyaya iyi mudare reparamende, sezvo mapurisa anofanirwa kunge achichengetedza runyararo, ari iwo ari kurova vanhu.