Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotaura Zviri Kukonzera Dambudziko Remvura muHarare


Vagari vemuHarare vave kutyira kuti muguta ravo mungangoita zvirwere, kubudikidza nekushaikwa kwemvura mune dzimwe nzvimbo.

Kunyange hazvo muguta guru magara muine dambudziko remvura, dzimwe nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemvura dzinoti, dambudziko iri riri kuenderera mberi nekuda kwezvinhu zvinosanganisira kushaikwa kwemari yekunze yekutenga mishonga yekuchenesa mvura, kutorwa kwemabasa emvura nenzira isina kurongeka neZINWA, kushaika kwemagetsi, pamwe nekuwandisa kwaita vanhu muguta iri.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanotiwo michina inoshandiswa pakuchenesa mvura yagarisa, uye haichisiri kushanda nemazvo. Ukuwo michina inoshandiswa pakubvisa muchetura mumvura dzetsvina dzisati dzaraswa, inonzi haisi kushanda zvakanaka.

Dzimwe nyanzvi dzinotiwo guta reHarare rakavakwa munzvimbo isina kufanira, sezvo guta iri riri munzvimbo ine nzizi dzinodira mvura mu Lake Chivero. Nyanzvi idzi dzinotiwo tsvina inobva muguta, pamwe nemumafekitori uye mishonga inokukurwa nemvura kubva mumapurazi akakomberedza guta iri, zviri kupa kuti pashandiswe mari yakawanda mukuchenesa mvura inotorwa mu Lake Chivero.

Bhanga rinokweretesa nyika pasi rose re World Bank, rinoti Zimbabwe inoda mari inosvika 10 billion US dollars yekugadzirisa zvose zvinodiwa panyaya yemvura munyika, guta reHarare roga richida 100 million US dollars.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZINWA panyaya iyi. Asi Mutauriri we ZINWA , VaNicholas Mukarakate, vaudza nhepfenyuro yeZBC, kuti dambudziko iri riri kukonzerwa nekufa kwakaitwa michina ku Jeffrey Morton, uye vakatarisira kuti richagadziriswa nemusi we Mugovera.

Engineer Ngoni Mudege ndivo executive director ve Institute of Water and Sanitation Development.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro na Engineer Mudege kuti tinzwe kuti vanoti kudiiwo nezvedambudziko iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG