Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoongorora Mamiriro Akaita Zvinhu Muzvitoro


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakashanyira zvitoro zvakawanda muHarare vachiongorora kuti zvinhu zvakamira sei zvichitevera kudzikiswa kwakaitwa mitengo nehurumende.

Mutori wenhau weStudio 7 Thomas Chiripasi, uyo ange aina VaTsvangirai anoti VaTsvangirai vatambirwa nemufaro nevanhu vakawanda.

Asi mukupera kwehurongwa hwaVaTsvangirai, Amai Jocelyn Chiwenga, mudzimai wemukuru wemauto General Constantine Chiwenga, varova mutori wenhau dzemifananidzo, VaTsvangirai Mukwazhi, avo vange vachifamba nemutungamiri weMDC.

VaMukwazhi vanoshandira Associated Press

VaMukwazhi vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti varohwa mbama uye Amai Chiwenga vange vachitukirira vakuru veMDC. Ukuwo Amai Chiwenga vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti ichokwadi kuti varova Mukwazhi vakati nyika yave kutongwa nemauto.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG