Accessibility links

Breaking News

Canada Inopa Zimbabwe Chikafu

Hurumende yeCanada yapa sangano rinobatsira nechikafu pasi rose mari inosvika madhora ekuamerica 3,3 million, iyo ichashandiswa mukutenga chibage chekupa vanhu vemuZimbabwe. Mutauriri weWorld Food Program, kana kuti WFP, kuchamhembe kwe Africa, VaRichard Lee, vanoti mari iyi ichatenga chibage chinosvika 6,600 metric tonnes.

Rubatsiro rwechikafu ichi runoitika mushure mekunge America yapawo Zimbabwe chikafu chinorema 47,400 tonnes.

Chikafu chiri kubva kuAmerica chichakwanisa kupihwa vanhu 500 000 kwemwedzi mitanhatu. VaLee vanoti kunyange hazvo nyika dzekunze dzisiri kufarira matongwerwo ari kuitwa nyika nehurumende, nyika dzakawanda dziri kuda kubatsira vanhu vanotambura muZimbabwe.

VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNANGO.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe kuti vanofungeyi nerubatsiro rwabva kuCanada.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG