Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzoramba Dzakateya Nzveve kuMatare


Nhengo dzeMDC gumi nesere dziri muhusungwa, dzichakangomirira kunzwa kuti dzichapiwa here mukana wekubvisa mari dzechibatiso nedare repamusoro reHigh Court.

Magweta ari kumirira nhengo idzi akakumbira dare kuti dzipiwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi Justice Lawrence Kamocha vakati vaizopa mutongo wavo svondo rapera, asi vakakundikana, vachiti mutongo uyu uchapihwa svondo rino.

Izvi zvava kureva kuti vanhu ava vamirira mutongo uyu kwemasvondo maviri, izvo zvava kukatyamdza magweta avo.

Vachiri muhusungwa vanosanganisira mumiriri weGlen View muparamende, VaPaul Madzore, mutevedzeri wemunyori anoona nezve kufambiswa kwemabasa ezvematongerwio enyika, VaMorgan Komichi, mukuru anoona nezvevashandi, VaKudakwashe Matibiri, pamwe nemunin’ina waVaMadzore, Solomon Madzore.

Gweta riri kunirira vasungwa ava, VaAlec Muchadehama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanetarisiro yekuti vangangonzwa mutongo svondo rino risati rapera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG