Accessibility links

Breaking News

Ma Anti-Retroviral Drugs Odhura Zvinoshura Mare


Kudonha kuri kuramba kuchiita huremu hwedhora remuZimbabwe, kwava kuita kuti zvinhu zvizhinji zvirambe zvichikwira mitengo yazvo.

Mitengo yemishonga inobatsira vanorarama ne HIV/AIDS, yema anti-retrovirals, inonzi yakwira zvekutoti varuzhinji havachagoni kuitenga.

Mishonga inodiwa nemunhu pamwedzi yava pakati pemadhora mamiriyoni manomwe nemamiriyoni gumi, kubva muna Kubvumbi, apo mishonga iyi yanga iri pakati pemadhora zviuru mazana masere nemiriyoni imwe chete yemadhora.

Nepamusana pekuomerwa, hurumende yava kuramba ichipomera nyika dzekumawirira mhosva, ichiti ndidzo dziri kuita kuti zvinhu zviome munyika, kubudikidza nezvainoti zvirango zvehupfumi, zvakatemerwa nhengo dze ZANU-PF nevamwe vatungamiri vemakambani ehurumende.

Carole Gombakomba weStudio7 anoti kunyange hazvo nyika dzakaita se America ne dzemu Europe, dziri kubatsira Zimbabwe kutenga mishonga iyi, hurumende iri kuramba yakachema chema nenyaya yezvirango.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG