Zimbabwe ne Germany dzava kunakuririrana nyoka mhenyu panyaya yemavhiza, iyo yanetsa zvikuru.
Germany inoti iri kuongorora zviri kutaurwa neZimbabwe, zvekuti nhengo dze ZANU-PF, Va Forbes Magadu na Doctor Godfrey Chipare, vakanyimwa mavhiza ekuti vaende kumusangano we ACP-EU Joint Parliamentary Assembly.
Mumwe mukuru anoshandira mubazi rinoona nezvekudyidzana kweGermany nedzimwe nyika, VaMicheal Ebel, vaudza Studio 7 kuti vachiri kuongorora magwaro ari kunzi nehurumende yeZimbabwe akaendeswa kumuzinda wavo kuHarare.
Hurumende yakabva yarambidza vose vaifanirwa kuenda kumusangano uyu, zvisinei kuti senator ve ZANU-PF, Amai Clarissa Muchengeti, pamwe nemutauriri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Nelson Chamisa, vakapihwa mavhiza ekufambisa.
Mumiriri weZimbabwe muBelgium, uko kune muzinda weACP-EU, Va Gift Punungwe, vanoti vaendesa gwaro ranga richifanirwa kuendeswa nevamiriri veparamende yeZimbabwe kumusangano uri kuitirwa ku Weisbaden muGermany.
Vachitaura nemutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , Va Punungwe, vati gwaro iri rinotsanangura kuti nyaya yeminda, ndiyo iri kukonzera matambudziko ari munyika.
Zvichakadaro, Carole Gombakomba, aitawo hurukuro na Va Farai Maguwu vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Executive Director ve Civic Alliance on Democracy and Governance, kuti tinzwe pfungwa dzavo.
Va Maguwu vaudza Carole Gombakomba kuti hurumende yeZimbabwe haina kodzero yekupomera dzimwe hurumende mhosva yekutyora mutemo nekodzero dzayo, sezvo iyo iri kutyora kodzero dzevanhu munyika zuva nezuva.