Accessibility links

Breaking News

Mauto Osungwa Achinzi Ari Kuda Kupidigura Hurumende


Vesangano revasori neve Military Intelligence, vanonzi vari kusunga nhengo dzechiuto uye vamwe vari pamudyandigere vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaRobert Mugabe.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti sewave muririro wayo shiri, VaMugabe vari kuda kutyisidzira vari muchiuto, avo vangangove vaine pfungwa dzekuvapandukira.

Asi vakuru mumauto vataura neStudio 7 vanoti vakawanda vari kugara vakabatira hana mumaoko, sezvo vamwe vavo vari kutorwa husiku uye havasi kuzivikanwa kuti vari kuendeswa kupi.

Vamwewo muZANU-PF vanoti nyaya yekuti vaida kupidigura hurumende yakanangana nekuda kusunga vamwe mubato, avo vari kuda chigaro chaVaMugabe. Vamwe vari kusungwa ava vari kumiswa pamberi pematare echiuto, uye vane ruzivo rwezviri kuitika vanoti vose vari kusungwa vari kutochwa uye havasi kutenderwa kuonekwa navana chiremba.

Svondo rapera Studio7 yakaburitsa nyaya yemauto matatu pamwe nemapurisa mana, avo vakasungwa vakamiswa pamberi pedare risingabvumidzwe vanhuwo zvavo kupinda kuti vanzwe nyaya inenge iri mudare.

Gweta riri kumirira vamwe vevasungwa ava, VaCharles Warara, vaudza mutori wenhau weStudio7 Blessing Zulu kuti varume ava vakatochwa uye vari kurambidzwa kuonekwa navachiremba.

Mumwe wevari kupomerwa mhosva iyi, ndiVa Albert Machapo, avo vaimova muchiuto. Mubati wehomwe muMDC KuMashonaland Central, VaGilbert Kagodora, vaudza Blessing Zulu kuti vakasungwawo pamwe naVaMachapo uye mapurisa nevasori vaida kuedza kuzorawo MDC mafuta enguruve yaisina kudya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG