Accessibility links

Breaking News

Masangano Evagari Vemumaguta Oita Muonera Pamwe Panyaya yeZinwa


Masangano anomirira vagari vemumaguta ose munyika neMugovera akabuda nechisungo chekuti paumbwe komiti ichashanda nemakanzuru pamwe nevagari mukutsvaga nzira dzekugadzirisa nyaya yekutorwa kwemasimba ekufambiswa kwemabasa emvura neZINWA.

Komiti iyi ichange ichitungamirirwa nemutevedzeri wasachigaro weCHRA, VaIsrael Mabhowo, uye yakapihwa mwedzi mitatu yekuita basa rayo ichizobuda nezvisungo zvichazoshandiswa mukugadzirisa nyaya iyi.

Imwe nyaya ichataurwa nezvayo inyaya yemidziyo yekanzuru yakatorwa neZINWA kuti paonekwe kuti ingabhadharwa sei.

Hurumende yakadzika mutemo wekuti mvura yose munyika iende pasi peZINWA.

VaMabhowo vaudza mutori wenhau dzeStudio 7, Jonag Kandemiiri kuti komiti yavo ichatanga kutsanangurira vagari nezvekunaka nekuipa kwechirongwa chekutorwa kwemvura neZINWA.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG