Accessibility links

Breaking News

Machechi ekuChamhembe kweAfrica Osangana muHarare


Machechi ekuchamhembe kweAfrica, apinda muzuva rechina akaungana muHarare umo ari kutsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe kuti ibve mumadhaka mairi.

Machechi ari muHarare anosanganisira Catholic Bishops Conference, Zimbabwe Council of Churches, Evangelical Fellowship of Zimbabwe, machechi eku Malawi, Zambia, Botswana, Swaziland, Tanzania, South Africa nedzimwe nyika.

Musangano uyu unopera mangwana. Mumwe wevatungamiri veChristian Alliance, iyo yakaronga musangano uyu, Pastor Raymond Motsi, vanoti vakakoka machechi aya, kuitira kuti vazive dambudziko riri muZimbabwe.

Pastor Motsi avoti machechi aya achazoudzawo vanhu nehurumende dzemunyika dzemu SADC, dambudziko rakatarisana neZimbabwe.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naPastor Motsi kuti tinzwe zvizere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG