Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai, VaMutambara neMasangano Akazvimirira, Vosangana muSouth Africa


Masangano akazvimirira oga, pamwe nemapato maviri eMDC, asangana neChitatu muSouth Africa, pamusangano wakarongwa ne Institute for Democracy in South Africa, IDASA, ichibatsirana neZimbabwe Institute.

Chinangwa chemusangano uyu ndechekutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika. Vamwe vari pamusangano uyo, vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri wechimwe chikwata che MDC, VaArthur Mutambara, nhengo dze Crisis In Zimbabwe Coalition, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, pamwe nevamiriri vemamwe masangano.

Musangano uyu uri kuitwa apo mutungamiri we Britain, VaTony Blair, vari kutarisirwa kushanyira kuSouth Africa. Mutauriri vemutungamiri weSouth Africa, VaRonnie Moepa, varamba kutaura zvakawanda pamusoro perwendo rwaVa Blair.

VaRoy Bennett ndivo mubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai. Patience Rusere weStudio Seven ataura naVaBennett kuti tizive zviri kuitika ku South Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG