Accessibility links

Breaking News

World Diamond Council Yatanga Kuongorora Zimbabwe


Chikwata chevaongorori vatanhatu kubva kukomiti yeKimberly Process, iyo inoongorora nyaya yekuti ma diamonds haasi kutengeswa pamukoto, kupesvedzera hondo kana kutyorwa kwekodzero dzevanhu, neChipiri chakatanga ongororo yacho muZimbabwe.

Izvi zvinotevera mashoko eWorld Diamond Council ekuti Zimbabwe neVenezuela hadzisi kufambisa nyaya dzekutengeswa kwema diamonds zvakanaka.

Chikwata ichi chiri kutarisirwa kuenda kuBietbridge kumugodhi uri kunetsana River Ranch neBubye, uye kuChiyadzwa kwaMarange, uko ma diamonds anga ongoitwa wada watora.

Gurukota rezvemigodhi, VaAmaos Midzi, vanoti ivo ndivo vakakumbira chikwata ichi kuti chiuye munyika.

Zvichakadaro, gweta riri kumirira vakuru veBubye Minerals, avo vari kunetsana panyaya yemugodhi wekuBeitbridge neRiver Ranch inotungamirwa naVaSolomon Mujuru, murume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vanyorera tsamba kumunyori mukuru weUntied Nations, VaBan Ki-Moon, vachikumbira kuti vaongorore nyaya yekuti motokari dzeUNDP dziri kushandiswa kuburitsa ma diamonds nepamukoto uye kuti UN ichishanda nekambani inonzi ARMSCO, iri kupa rutsigiro kuRiver Ranch, kunyange hazvo kambani iyi yakashandisa chisimba pakutora mugodhi uyu.

Gweta reBubye Minerals, VaTerrence Hussein, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vachasanganawo nekomiti yeKimberly Process iyo iri munyika.

Gweta reRiver Ranch, VaGeorge Leslie Smith chipangamazano chekambani yeRiver Ranch, vati hachisi chokwadi kuti mota dzeUnited Nations dziri kushandiswa neRiver Ranch. Asi vatenda kuti vari kushanda neARMSCO.

Panyaya yeKimberly Process, VaSmith vati vane ndege mbiri dzavatsvaga dzichaenda nevakuru veKimbery Process ava kuBeitbribge neChitatu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG