Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Kusungwa Kwenhengo Dzayo Inzira Yekuishungurudza


Dzimwe nhengo dzeMDC dzakasungwa neMugovera pamuzinda webato iri paHarvest House, dzakaburitswa muhusungwa neSvondo dzisina mhosva yadzakapomerwa, uye dzimwe dzacho dzaburitswa neMuvhuro.

Mutori wedu wenhau Thomas Chiripasi ataura nevamwe vevanhu ava avo vamuudza kuti vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa.

Zvichakadaro, bato reMDC rati zvave kuitwa nehurumende zvekusunga nhengo dzaro pasina mhosva yadzapara, chiratidzo chekuti yapererwa nemazano, uye nguva yayo yekutonga yapera. Bato iri rati zviri kuitwa nehurumende zvinodzosera shure hurongwa hwekutaurirana pakati peMDC nehurumende yaVaMugabe, uho huri kutungamirirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

VaNelson Chamisa, mutauriri weMDC vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo harizofi rakatora zvombo sezviri kudiwa neZanu PF mukuvashungurudza kwavari kuita.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG