Komiti yeparamende inoona nenyaya dzevechidiki inoti makamba anodzidziswa vechidiki kana kuti ma National Youth Service Centres, anofanira kumbovharwa sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka.
Sachigaro wekomiti iyi, Amai Shuvai Mahofa veZanu PF, vane nhengo dzeZanu PF dzakawanda dziri mukomiti iyi. Komiti iyi yakaita ongororo yakaratidza pachena kuti vechidiki vari kumakamba aya vari kuziya nenzara, uye vasikana vari kubatwa chibharo nevakomana kana varume vari kuvadzidzisa.
Mashoko aya anopikisana nemashoko emutevedzeri wegurukota rinoona nezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere, avo vanoti hurumende iri kuronga kuwedzera huwandu hwevechidiki vanofanirwa kuenda kunodzidza muzvikoro izvi, sezvo vakawanda vari kuda kuendako.
Vakasukuwere vaudza Sudio 7 kuti vachiri kuda kutanga vazeya gwaro rekomiti iyi vasati vataura nezvaro.
VaGlen Mupani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro munyaya dzematongerwo enyika nehutongi wejechetere paCape Town University muSouth Africa vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti makamba aya anofanira kuvharwa sezvo ari kubatsira veZanu PF kwete nyika.